Unenanzanga

Izwi rokuti Unenanzanga riri kushandiswa pachinyorwa chino kuturikira chinonzi sociology kuEnglish. Ronzanzanga chidzidzo chinobata zvinosanganisira: mugariro wenzanga; kuvamba kunoita nzanga; kukura kwadzo; kurongeka kwadzo uye masangano ari madziri. Chidzidzo ichi chinoshandisa nzira dzakatsaukana dzekuwana umbowo nenzira dzekuwongorora kuti pabatanidzwe denhe reruzivo pamusoro pezvinhu zvinoti: kugadzikika kwenzanga; kusagadzikika kwenzanga uye shanduko dzinoitika munzanga.

Ana Chinenanzanga vazhinji vanoita tsvakurudzo dzinokwanisa kushandiswa kuumba mirawu nerugurupiro munzanga. Vamwewo ndivo vanonangana nekunatsurudza kunzwisisa dzidziso dziri pamusoro petsandura dzenzanga. Madingindira anocherechedzwa anosanganisira nhau dzinobata vanzanga nokudyidzana kwavo uye nhau huru dzinobata madandira enzanga nemapazi adzo.

Kupiwa kweZita

Mazwi eBantu

  • VaSwahili vanoti unenaji, uneni (sing. 1. power of speech, speaking. 2. fluency, eloquence. 3. turn of speech, manner of speaking).
  • VaSwahili vanoti neno, maneno (word, expression, utterance; 2. pl., rare language, dialect. 3. pi. discussion, debate. 4. statement, assertion. 5. important matter, affair, matter for concern).

Mimwe Mitauro

This page is based on a Wikipedia article written by authors (here).
Text is available under the CC BY-SA 3.0 license; additional terms may apply.
Images, videos and audio are available under their respective licenses.