Madokero

Muzvidzidzo zvinotevera: pimanyika; Jekanyika; neTarachisi, madokero kana mavirira (West kuEnglish) idivi kana rudzivo kunonyura nako zuva manheru ega ega. Panopimwa gonya rinokwana 180o kubva kuMadokero kusvika kuMabvazuva.

Compass Rose English West
A compass rose with west highlighted

Mamwe Mazwi

  • Kunhoka (to burn out - of fire).

Mazwi eBantu

  • Mururimi rweKikongo vanoti yila (to begin to grow dark) vachireva kuvira kwezuva.
  • Mururimi rweLuwanga vanoti okhwira (to become dusk) vachireva kuvira kwezuva.
  • VaTonga vanoti kumbo (n. west) zvichireva kumadokero.
Divi (rekunhu)

Muchidzidzo chepimanyika, rudzivo kana divi (Direction) rinoreva mashoko anotigonesa kunongedzwa kuti nzvimbo iri kupi. Rudzivo runonongedza divi riri kutaurwa nezvaro. Rudzivo ndiyo mhinduro yatinotsvaga patinobvunzwa mibvunzo yokuti:

Uri kuenda kupi, papi chaipo?;

Uri kupi, papi chaipo?;

KuHarare ndinosvika sei, ndinotevedza nzira dzipi?;

Mabhazi anoenda kumusha akwirirwa kupi?'Mepu dzepanyika dzinotaridza mativi mana erudzivo anoti: Mabvazuva, Madokero, Maodzanyemba, neChamhembe.

Eswatini

Eswatini inodanwazve ichinzi kaNgwane kana Eswatini inyika iri kuchamhembe kweAfrica. Nyika iyi yakakombwa neSouth Africa kumaodzanyemba, chamhembe madokero nekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva; kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva inoganhurana neMozambique. Nyika iyi nevanhu vemo vanotora zita kubva kuna Mambo Mswati II.

Swaziland ndiyo yedzimwe nyika dikisa muAfrica. Kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe kwayo pane makiromita 200, uye kubva kumabvazuva kusvika kumadokero pane makiromita 130. Asi zvakadaro nyika iyi inowanikwa rutaranyika rwakatsaukana nemamiriro ekunze akasiyana siyana; kumakomo kunotonhorera kwakadzika kunopisa uye kwakawoma. Vagari veSwaziland ndeverudzi rwechiSwati vanotaura rurimi rweSiSwati. Nyika iyi yakavaururwa pakati pemwaka wechizana 18 ichitungamirwa naNgwane III; miganhu yayo iriko zvino yakatarwa mugore 1881. Mushure meHondo yeVangirandi neMabhunu, Swaziland yakava Nyika yakachengetedzwa neBritain kubva mugore 1903 kusvika 1967, cihizowana kuzvitonga musi wa 6 September 1968.

Maodzanyemba kwakadziva kuMadokero

KuMaodzanyemba kwakadziva kuMadokero (North West in English) ndirwo rudzivo rwunoti kana munhu akatarisa kuMaodzanyemba, anofanira kutenderera gonya rinokwana 45o achinanga kuMadokero. Rudzivo urwu rwuri 45o kubva kuMaodzanyemba, uye 45o kubva kuMadokero.

Mbembesi

Mbembesi maruwa ari kuMatebeleland North pachinhamwe chinokwana 43km kubva kuBulawayo kuri kwakadziva Madokero eMaodzanyema.

Mimwe Mitauro

This page is based on a Wikipedia article written by authors (here).
Text is available under the CC BY-SA 3.0 license; additional terms may apply.
Images, videos and audio are available under their respective licenses.